unogumbuka ukazvimba mapapu. Pane mumwe munyori andinokurudzira kuti kudai aramba akasimba nekusimudzira ngano. Ndinodaro nokuti kana dziri ngano dzinonzi ngadzirambe dziri musango chinova chinhu chakapa hama yangu Ignatius Mabasa kukavadzana nacho apo akanyora ngano “Wachi yaTsuro” zvikapa vamwe vanoti vakurudziri wemutauro weShona uye ruzivo rweShona kuzvimbirwa kuti anoitirei kuti Tsuro naGudo vanhasi abude musango. Hanzi Tsuro naGudo havafaniri kushandisa midziyo iriyo zvino uno. Asiwo muverengi akatarira kwakabviwa nengano dzinotendeka kuti inyaya dzaiitika muvanhu zvichienderana nokuvandudzika kwaiita upenyu hwavanhu munharaunda dzavagere. Rungano rwaTsuro naGudo rwakatanga vari musango apo pakatanga vanhu kuchera matsime, Tsuro naGudo vakatangawo kuchera tsime paya pakaramba Tsuro kuchera tsime pamwe nedzimwe mhuka. Pakatanga vanhu kurima minda, Tsuro naGudo vakavambawo kurima minda yamanhanga pamwe neyenyimo. Pakatanga vanhu kuchera makurwe, Tsuro akaonekwa achichera makurwe. Paya pakatanga vanhu kukama mukaka uyewo vachirwisana neutongi hweudzvinyiriri, Tsuro naGudo vakaonekwa vachirwisana nevarimi vakanga vachivatorera masango avaigara apo vaikwira mumuchovha vachidonhedza masaga pamwe nokundokama mukaka kumatanga, uri mucherechedzo wekupikisana nehutongi hwaiva huripo panguva iyoyo hwokubvutira vanhu pfuma yavo. Vanhu pavakavawo navashandi vanorera vana, Tsuro
takamuona achibatsira kurera mwana wamai vaiva nemwana aivatadzisa kurima achichema baba vacho vari musiyadzasukwa. Kuva iyeka, anonzi nheni mazuva ano. Izvi zvinoburitsa pachena kuti Tsuro haasariri shure sekusarira kwaita uvaranomwe hweShona asi kuti anoramba ari mberi sehuma. Saka anoti Tsuro naGudo asabata michina yamazuvano kombuyuta, rerofoni kana kushandisa Whatsapp, Facebook, Twitter, Selfie zvichienda zvakadaro ndiye uya anoda kuti uvaranomwe hweShona hurambe hwakasara shure. Imwe nyaya inodzimba ndeyokuti zvinozivikanwa nomunhu wese wemuZimbabwe kuti hakuna rurimi runonzi Shona. Shona chigadzirwa chemubatanidzwa hwendimi dzinosvika shanu idzo dzakabva dzanzi dzive inonzi “Standard Shona”. Uyu mutauro unamazwi mazhinji echiZezuru. Zvinoreva izvo kuti ushanu hweShona hauwanikwi muuvaranomwe hweShona. Mazwi echikorekore, ChiNdau, chiManyika neChiKaranga anowanikwa mashoma muStandard Shona. Izvi zvinoreva kuti zvinonyorwa hazvisirizvo zvinotaurwa navanhu vazhinji. Kushaikwa kwendimi dzinotaurwa noruzhinji uye muupande hwakasiyana hweShona zvinoratidza kuti uvaranomwe hweShona hunotambudza vadzidzi vazhinji nokuti vanenge vachirwisana nekutanga kunzwisisa mutauro weStandard Shona. Shona inotaurwa kumba inenge yakasiyana dzimwe nguri neinotaurwa muchinyorwa cheChiShona. Kana chiri ChiNdau neChiKorekore hachiwanikwi muuvaranomwe hweShona. Chindau chinowanikwa mumaBhaibheri echechi
yakaita seUCC. Kana chiri ChiKorekore tinenge totochihwa kana Oliver Mutukudzi achinge ava kuimba musambo wemumhanzi weKatekwe wekumusha kwake kuMashonaland Central. Pasina izvozvo kuti usangane neKorekore muzvinyorwa zveuvaranomwe ihondo chaiyo. ChiManyika unozochihwavo kana “Mutirowafanza” mutambi mukuru wemunaMutirowafanza dhirama rapaTerevhizheni otaura. Asizve zvikamu zvacho zvishomasasa. Yakasungwa namakashu anotoda zibanga rinocheka kose riri mesa pakupinza kuti igone kudambura makashu aya. Kudai vakuru vanoona nezvedzidzo vaigona vakasunungura uvaranomwe hweShona kuti kana pane vanogona kunyora zvinyorwa zvinozoshandiswa muuvaranomwe hweShona vanyore nendimi shanudzo dzinonzi dzinoumba Shona vadzidzi vawane kutapirirwa nemutauro vasingasungirwi kuti vatevera “Standard Shona”. Ndakapinda mukunyora ndine vavariro yekuti ndifambise ChiKaranga mberi nokuti ndicho chandaiva ndakura ndichibwereketa asi ndakaudzwa kuti kana uchida kuti bhuku rako ridzidzwe muzvikoro unofanirwa kushandisa “Standard Shona” pakurinyora. Ini ndozvibvunza kuti ko sei vanhu vachida kundisunga nomusungo usina uchenjeri? Ko pandinonyora ndinonyorera mudzidzi here kana kuti mudzidzi kuzowana chinyorwa changu kunge chasarudzwa? Handiti ndinonyorera muverengi? Hunzi kana uchinyora nezvehondo uchiimba nziyo dzokuhondo usaisa zvinyadzi madziri. Ndoshama kuti ko dzinozova nziyo dzokuhondo here? Kana
ndikabvisa zvinyadzo panziyo dzehondo dzinozova nziyo dzehondo papi? Kana ukabvisa muchohwe pajakwara napanhimbe chii chinosara? Unoona kuti vana vezera rimwe vanoita uvaranomwe hweChiRumbi vakasiyana nevanoita uvaranomwe hweShona pane zvavanofanira kuziva. Unoona kuti “I Will Marry When I Want” rine chirevo chinoti, “Wisdom is like a penis every man carries his own” zvinoreva kuti, “Uchenjeri hunenge sikarudzi yemurume, murume mumwe noumwe ane yake” kana zvichishandurwa. Bhuku iri rinenge richiitwa navana vefomu 4 asi iwe ukanyora zvinoenderana naizvozvi unonzi wava kunyadzisira. Uvaranomwe hweShona hunondiudza kuti usati nyoka inyoka iti igavi kana kuti bhande. Zvino zvazvinonzi uvaranomwe hunoratidza zvinenge zvichiitika munharaunda yakanyorwa chinyorwa ichi hweShona hunonzvenga mbambo dzouvaranomwe. Munyori weShona akasungwa mbiradzakondo. Pane dambudziko rekushaikwa kwerudo runonzi rudo. Koshaikwa kunodzidzira vana zvakanaka. Mukunyora kwedu zvinonzi hazviiti kuti kuve nemunhu wakarurama. Kana mutambi akava akarurama chaizvo yatova mhosva. Chii? Imwe nyaya hombe yoshupa ndeyokuti kana pakaita chinyorwa vapepeti vanotanga kutsvaka kuti bato riri kutonga munyika reZANU PF rakaenzaniswa nei uyewo reMDC rakaenzaniswa nei kunyange bhuku risinei nezvematonganyika. Kana
CONTINUED ON PAGE 41 Zimbabwe @ 35 Issue 07
39