5 minute read

NDANGE NDIRI MUBUTIRO CHIKAMU IV-V

NAPROGRESS MUWADZURI

progressmuwadzuri48@gmail.com +2367788524330

Advertisement

CHIKAMU IV

Kwakapera mazuva mazhinji ndisina kumboona murumewo kusvika ndatofunga kuti ndakaona zvinhu. Rimwe zuva ndichibva zvangu kundovhima, musi uyu ndainge ndauraya mhembwe ndiri munzira ndokuteuka kuti ndainge ndasiya chirongo patsime nokudaro ndakatora nzira yaienda nokutsime asi ndasvikapo ndakaona zvakarema kuti mhembwe kumusana chirongo mumusoro ndichibva ndangotora chirongo ndoenda ndisina mvura asi ndisina kure kwandaenda ndakanzwa izwi rinamahon'era raiita kunge richazungunusa pandakanga ndimire,

"Zvakaipa here kana ndikakutakurirai usavi hwenyu nhai watenzi vangu?"

"Mandityisa tenzi wangu, ko mabva nepiko nhai? Hapana hapo chakaipa "

Kutaura idi ndakabvuma zvangu asi wandaitaura naye raive garamasango chairo, paiva nemutinda werume waityisa kana kuramba wakatarisa, ndakaitira kuti zvindibve nokuti umwe moyo waiti ndikaramba ko ndikadimurwa musoro. Takafamba rwendo rwose kubva kutsime kuenda kwandaigara pasina kana wataura neumwe.

"Maitabasa manditakurira usavi hwangu, madii machingogara ndakugocherai zvakwavira kudai", ndakadaro ndovhunira tsotso mumoto kubatidza mitanda yakanga yoda kudzima. Ndakataura izvi nomoyo waiti dei akaramba akaenda asi hazvina kuita saizvozvo. Garamasango wakagara nyama ikagochwa ikadyiwa pasina kana wataura rimwe. Pashure mweni wangu wakaoneka ndokuenda ini sare ndotura mafemo somunhu wanga achidzinganiswa. Ndokuzofunga pava paya kuti ndainge ndakanganwa kubvunza zita uye kwaigara mweni wangu.

Kwakapera mazuva anechitsama ndisati ndasangana nemurumewo mumoyo ndaingoti pandinomuona chokutanga kubvunza zita rake uye kwaaigara. Sokuziva kwandakanga ndaakuita sango iri hapana pandakanga ndamboona paigara munhu zvakadzoka zvondipa mubvunzo wokuti uyu waiva munhu here kana kuti dzangaradzimu. Mazuva haana kumira kufamba asi garamasango harina kuonekwa ndichibva ndafunga kuritsvaka. Ndakakwira pamusoro pechikomo ndine chivimbo chokuti ndichaona utsi sezvo kwaive neguti asi hapana chandakaona kusvika nzara yati gogoi. Ndakasimuka ndoti ndiende ndopandakanzwa zwi riya randaitya semare ndichibva ndatsvedza kubva padombo randainge ndimire ndichindoti njooo zasi kwaro. Ndakamuka nokukasika ndokuti,"Masikati" ndichizunza mashizha pamatebwe angu.

"Masikati, ndinourombo kana ndakuvhundusai. Hechi chokudya, ndaanenguva ndichikuonai mugere pano. Asi mune musungo wamakateya?" Ndainge ndave nenzara yechokwadi nokudaro ndakangoti bu bu bu ndokuhetura ndiro yomuti yaiva nechiropa chemhembwe chakange chagochwa nomoyo unoda ndokuti tsina ndonyaradza rakanga rongazvura mudumbu mangu. Ndakazosimudza musoro ndokuwana garamasango akanditarisa achiyeverwa nenzara yangu. Ini ndokuchiti hoyu mukana chiregai ndichiziva zvandafambira.

"Sei mune rukudzo kunda iri murupeto seni kudai"? Ndakatanga ndichidaro ndichigashidza ndiro kumwene wayo.

"Ndizvo zvazvinofanira kuita".

"Muchirevei?"

"Nokuti ndiri muranda wenyu".

Hapana kwataienda, hapana chandainzwisisa pazvose zvaitaurwa, asi ndakaenderera mberi ndoti. "Sokuziva kwangu pandakapinda musa ngo muno makanga mava muno kare zvakare ndisati ndaziva kuzviraramira maiuraya mhuka muchuya nadzo kudumba kwangu saka nhasi monditi mukuru sei?"

"Dei zvainzarwo tose tingadai tirimadzishe. Asi handizvo, vokuimba youshe vacharamba vari isu varanda ticharamba tiri.

Zvechokwadi chibhende chakaramba kutamba mumusoro mangu ndichibva ndoti,

"Munenge mune nyaya huru, madii kuuya kwandinogara? Ndakabaya mhembwe zuro tozogocha hedu tichidya nyaya.

"Zvakanaka mondoina ndauya”. Akadaro okwira nechikomo.

"Wandiona kare zvichireva kuti unogara pedo pano, nhasi ndinopaona chete paanogara”. Izvi ndaitaura ndoga ndimire munyasi medombo asi kwakava kupedza nguva kunyenga wakadhakwa ndakambeya chikomo chose kudakara makumbo orwadza ndikati handina kusiya ndapisa musha nechomumoyo ndichingoti iri igaramasango chairo.

CHIKAMU V

Zvandakasvika kumba chakava chipatapata nhaka yemakonzo ndoti ndikasire moto uite marasha mweni wangu asati auya, ndainge ndaparadza nguva ndichitsvaka zvandisina zera nazvo asi panguva yakazosvika garamasango imwe nyama yainge yatoibva tichibva tachingotangisa kudya.

"Ndisati ndatanga nyaya yangu, mazofamba zvakanaka here nhai Hwiza?" Izvi zvakandivhundutsa zvekuti, pakuti ndidavire ndakaramba ndakangoti murimo segatawa ndakangodaro. "Ndafamba zvakanaka", ndakazopindura pava paya.

"Bva zvakanaka ini ndinonzi Garamasango, zita iri ndakaripiwa nambuya venyu musi wandapinzwa musango rino nambuya venyu vandinunura kuna babamunini venyu Tirivangani. Vaiti wave garamasango sezvo usingachadzoki kumusha kusvika ndatumira muzukuru wangu kwauri, zvisinei ndakagara zvangu kusvika musi wamauya. Ndakaona kuti maiva mudiki chaizvo ndikaona kuti ndizviratidze kwamuri maizogara muchitya nokudaro ndakakuunzai kuimba yandaigara ini ndokugarira kure, ndaiziva kuti maizotya kugara neni sezvamuchiri kungoita nanhasi. "Heya ndiwe wakabanha gotsi rangu ndichangopinda muninga".

"Hongu ndini zvakare ndine urombo ndiyo chete nzira yandakawana yokuti musazoyeuka suo reninga, izvi ndaiitira kuti musazodzokera kumusha kwenyu uko babamunini venyu varikufunga kuti makadyiwa nezvikara zvesango".

"Mungazivewo here kuti sei babamunini Tirivangani vachida kundiuraya?"

"Nokuti muri mambokadzi wedunhu redu"

"Mambo waani? Sokuziva kwangu mudunhu medu hamuna mutongi", ndakapindura nehasha. Ndakanga ndisinganzwisisi kwaienda nenyaya kubva patakatanga kutaura.

"Musatsamwa zvenyu mukuru wangu, ndinoziva kuti hapana chamuri kunzwisisa chiregai ndichiti nomo nomo. Tarisai bakatwa riri muchiuno menyu iro rine mufananidzo wemoyo, ndiwo mitupo wenyu. Nhasi uno munonzi vokushaya mutupo nokuti bakatwa iroro ndiro mhiko yomutupo wenyu. Rakanyangarika pakaurawa sekuru vababa venyu nanhasi mainzi hamuna mutupo uye umambo.

"Zvino ambuya vakariwanepi?" Ndainge ndoda kuti nzwisisei kwakananga nyaya.

"Manzwire andakaita, sekuru venyu vakafa baba venyu ichisvava chaiyo sare vorerwa nambuya venyu chete. Zvinonzi mukukura baba venyu vairotswa nokudaro vakakwira mugomo rimwe zuva vave namakore gumi okuberekwa dzokei vane bakatwa iri. Mbuya venyu vairiziva nokudaro vakaritora vakarichetera kana baba venyu vazokura asi sokuziva kwenyu sekuru venyu vaiva nebarika. Pakawanikwa bakatwa iri Tirivangani waivapo zvakare waidawo ushe zvakakonzera kuti auraye vabereki venyu, waida nemi wacho asi matenga akaramba".

"Awo ndamanzwa ko iwevo, waiva nedaka rei navaTirivangani?"

"Sokutaura kwandamboita, Tirivangani ndiye mhondi yevabereki venyu. Kuti asabatwa pane waifanira kubatwa nokudaro wakandituma nechikafu chaiva nemuchetura kundopa vabereki venyu. Pazvakashata wakanongedza ini asi mbuya venyu vaiziva mhandu vachibva vondivanzarika vaine tariro yekuti ndichakubatsirai kupa nhoroondo kuvapenyu rimwe zuva".

"Zvino richauya riini zuvaro richadurwa rungano?"

"Kana imi monzwa kuti yakwana nguvayo, bva ngarufambwe mambokadzi wangu".

Ndakangogutsurira musoro nechomumoyo ndichiti, yakwana nguva yekuti sezita rangu ndichibhururuka asi ndiri murima. Rwendo runo handina mambava machena, ndine matsvuku akakunda ropa pacharo. Gadzirira Tirivangani chawakadya chamuka, wakadya nyemba zhinji uchikanganwa kuti uchada mvura. Nhaka rinoparuka dumburo ukademba vakaenda kare.

-NYAYA ICHAPETWA MUZVIKUMA ZVIVIRI ZVINOTEVERA-