3 minute read

MAZINO

NaDrThembieTanya

madziwathembie@gmail.com +263719675521

Advertisement

Vamwe pavaichema vachiti maHorror, ini ndaitonzwa zvangu kuti denga razaruka. Ipo papi pacho paraizoramba kuzaruka ini ndaive ndaubata waEsther mutsanyo. Eheka hazviuyi zvisina miedzo asika sewenyama anofamba pamweya ndakaimba chakakundwa satan.

Nyaya yacho haisimbori nyaya hombe zvayo. Zvakafamba sekudaiso, nezuro zuva parakangoita serobva kuna mai waro ndakafunga kumbopedzera shungu dzangu mukudzingirirana nemhepo. Hameno zvazvinongoita so, ndakazongobatwa nemweya waPaul Railton asi kungoti ndaitongorova zvangu footron iyoyo nekastep kemaHomo Sapiens sapiens, bvunzai Charles Darwin ndiye anonyatsoziva kuti chikwata ichochi chainyatsofamba sei. Mhanza mambure, haurege kudzibata hove, ichocho chakandidzinga mumba ndichocho chakandisanganidzana neyangu manna mukanzira kanoenda kumaShops. Ndakatarisa tarisa mberi, shure kurudyi kuruboshwe fanika ndaive ndotamba mutambo wechinyakare wevechidiki. Izvo zvipiko ndaida kutiza kuita semuSamaria wakanaka nekuti kwandaive ndabva kwaive kwakafinyama, baba vekwangu vaive vandivhurira hombe. Ndakangoti manna yangu pfeee mumbudu, ndikati nechemumoyo, mudzimu waro bonga.

Kupi kwacho kwandakambosvika, ndakaita mahwekwe newepamoyo, chiso chake chaive chakaburuka nechomumoyo ndikati 'pane zvavhiringa chete.' Ndakatomboda kuseka ndichigaya kuti zvimwe aive awirwawo neManna sezvo aifamba akatarisa pasi achikwenya demhe rakhe raive richipenya kunge chiringazuva chadzvokorana nezuva. Sevanhu vaive vamuka vari kudivi reruboshwe remubhedha ndakangoti, muSamaria nemuJudha havambofi vakadyidzana. Ndakanzwa moyo wangu uchiti dai ndirini zuva ndatosheedza chikwatamabwe chawedzera kupisa mhanza iyo. Ndakazongomunzwa achiti, "Maswerasei Mai Chipo". Izwi riye raive ramboshanya ndakarinzwa kuti raive radzoka. Nezwi rekubhohwekana ndakangoti, "Ndaswera maswerawo Baba Chipo, makey ndasiya pasi pechimeti".

Apa ndaitaura ndisina kumira, ko kuti ndaive pachiteshi chemabhazi here? Ndakatoona, aikaka shasha haisati yatopedza neni, ini gegege semunhu aripachibhorani. Uyu aitoda nezvangu, apa ndaitovira zvangu neshungu saJesu paakapinda mutemberi akarova vanhu. Ah ndakariridza rekwaMai Azuka zitsamwa rechomumoyo, ndobva ndangoti chibopo changu tsiii, ndokucheuka ndakaisa muromo mumhuno semucherechedzo wehondo yaidai kuvapo. Apa kwani, ndaive ndakanuna zvangu, usatambe nemanna.

Rume rakatura befu ndikafunga kuti apa ndazove shirikadzi hapachina wekufema wasara paneumwe wangu. "Mai Chipo, Mai Chipo..,” Akadaro akatsikitsira pasi semwenga. “Haikona kupota uchitsamwa kudaro mukadzi wangu..."

Ndakaona dikita kuti chuchuchu, ini aikaka bho here? "Matsamwiro ako mukadzi wangu mmmmm anonyudzisa". Aingotenderera apa dzangu pfungwa dzaive kuna Mai Methuselah. Ndakanyebedzera kuisa maoko mumbudu kungoda kunzwa chete kuti manna iya how far?

Handina kumboti bufu semunhu aivira zvake nechiitiko chaive chaitika kumba pakati pangu naye. Akapukuta ziya riya nekunze kwechanza chake ndokumira sekomichi yeputugadzike, ndiye, "Mari iya yarasika".

Ndakaseka chikwee chaive chizere natswatu waro. Ndokumuti, "Ipi mari iwe wati hauna mari makuseni?"

"Haa Mai Chipo, iwe ndiwe uchanyeperwa here mukadzi wangu..?”, akadaro nekazwi kenyengeso,

“.... ndakanganwa kuti ndandichitamba hangu, wanted to surprise you pandatobuda kuuya kuno kumaShops".

Ndakaseka ndichirovanisa maoko, nechepasi pasi pemoyo ndikati, tsvatu waro nemasurprise ako. Ipapo nharembozha yake yakabva yarira ndokubva amboedza kusaidaira.

"Asi ndiMarwei kani waurikutya kudaira ndiende zvangu kwandirikuenda unyatsomudaire zvakanaka?" "Bodo mudiwa, haaa haasi munhu akakosha kudarika iwe...", asati apedza kudaira yakarira zve, ndichibva ndaibvuta ndokuidaira.

"John wanditi ndimire pabhawa rekwa- Anthony urikuuya nemari yangu, uchiripi nanhasi? Zvekundijairira ndakakuudza kare ndinokuputitsa, jairira mukadzi wako kwete ini..."

Akatora mbozha nhare iya zvechisimba ndokukakama achiti, "Wangu wangu mazino, mira ndiuye kani wangu".

Iniwo ndakamutarisa neziso rinotaura, apa akaudzwa makobvu nematete. Kusvika ndakazoti nezwi repamusoro, "Asikana siyanai neni, munhu wenyu mazino haana kana yegupuro kutaura kudai. Imbori mariiko uyezve ndeyeyi?"

"Iwe Thomas muudze kwawairara mazuwa mashanu adarika mhani... l want my money" Rume rakagara pasi ndokungotanga kuti, "Haaa hazvichinabasa mai mwana, mazino"

-MAGUMO-