5 minute read

NDAKAPONERA MUNYIKA YEVATORWA

NaNgonidzashe Mhizha

Ngonidzashemhizha90@gmail.com +263785056703

Advertisement

Ndainge ndava chikomana chati samhukei, chaive chogona kundofudza mbudzi kumapani nevamwe pazvakatangira. Hope dzandairota usiku dzaindivhiringidza, asi semwana mudoko ndaisanyanyova nehanya nezviroto, chandainyanyokoshesa kutamba nekudya sezvinoita pwere zhinji. Mamwe emazuva ndaimboedza kurondedzera ambuya vangu VaHariputirwe vanova vandaigara navo, nezvehope dzandaigarorota asi vaibva vandijinyura nekuchimbidza. Kunyangwe pandaivabvunza kuti vabereki vangu vainge vadyiwa nei uye vaiva varadzikwepi vaipupa furo nekupopota kuti sei ndaivabvunza mibvunzo yairema kudaro. Dzimwe nguva ndaitukwa kuti sei ndairotomoka semunhu akasutsiwa. Chokwadi vaichiziva uye vaive vakachiti kwede mune yavo hana, asi rinamanyanga hariputirwe mumushunje.

Semunhu wenherera, veruzhinji vaindibata neseri kweruoko, kundiita suku nasai zvinova zvakazoita kuti ndinyanyise kufunganya nekukungura kuti dei vabereki vangu vaiva vapenyu. Ndaigozivei kuti ndaiva nherera ine vabereki vapenyu asi ndaiva mubutiro, ndisina chandaiziva. Usiku hwega hwega ndairota mwana mucheche musikana asina mazino achichema ari mumahombekombe erwizi, zvekuti mhere yake yaiita maungira munzeve dzangu. Iyi ndiyo yainge yava ngwavaira yaiva isina mununuri, ndaive ndisina wekuturira nhamo yangu. Kana vari saambuya vangu, raiva gomo risina ukwiriko. Mamwe mazuva ndairota harahwa yainditi nditevere ndikuratidze kune rukuvhute rwako. Ndaimboedza kusafunga nezvazvo ndichingoti aiva mazihope mupengo. Ndaigonoratidzwa rukuvhute rwangu kupi ini ndainge ndangoyarukira mumaoko aambuya vangu.

Makore akafamba ndikayaruka kuita jaya ndiina ambuya vangu asi mufaro chaiwo ndainge ndisina, vaisandibata neseri kweruoko asi ndaingonzwa kuti pane zvimwe zvinhu zvainge zvakatapudzika mandiri. Upenyu hwangu hwaiva gasva asi ndaisanzwisisa kuti hwaizozadziswa sei, uye nei. Semunhu aisava nemadzisahwira, hapana kana aiziva nezvemhezi yaivavira mumoyo mangu, raingova gangaidza mukwenyi. Zvekupepuka dikita richiti chururu uye hana ichirova wainge watova mugariro weshuro kushaiwa nyanga. Hope dzandairota dzaiva dzimwechetedzo. Zvainge zvanyanya zvekuti ndaive ndorara mbishi. Ndakaramba ndichingonzi neharahwa iya nditevere ndikapedzisira ndamuka ndikapopota ndigere pasi. Ndipo pandakazorota ndichirondedzerwa mafambiro andaizofanirwa kuita uye zita remumusha maindafanirwa kuzosvikira. Ndakamboita mazuva ndichidzeya ndikapedzisira ndarovera moyo padombo, ndakatozodya iri yegono. Hapana wandaifanirwa kuwoneka, rwaingova rwendo rwandaifanira kuita muchivande. Ndakarongedza zvombo zvangu ndakamirira kuzonyeruka mumuzinda umu husiku. Musi uyu ndakachimbidza kuzvipfigira mugota mangu zvekuti ambuya vakatombobvunza kuti ndainge ndarwara here. Ndaifanirwa kuzonyeruka kana veruzhinji vavata. Dzakandiba hope ndakavarairwa ndikarotazve mwana wandaigarorota achichema, asi musi uyu ainge achiti mweku mweku kunyemwerera akanditarisa achiratidza matadza ainge pasi panyoro. Ndakati kwanyanu ndichipukuta rusiriri rwainge rwayerera serukova rwakananga munzeve ndiye piku zvombo zvangu. Ndakavhura sasa ruoko ruchidedera, ndaisada kunzwika naambuya vangu avo vaikosora nhando kuratidza kuti vaive vakasvinura. Ndakaramba ndakati tumbi uku hana ichibika manhanga. Chidamakuhwa imbwa yangu yakatanga kuhukura, payakazoona kuti nditenzi wayo ndiye muswe tsviki tsviki ichidzokera payaiva ivete. Ndakaringa ringa segororo, ndiye nyahwa nyahwa ndichifamba nezvigunwe kusvika ndabuda kunze kwemusha. Ndakanzunzuta muzvikwenzi, ndaisatya mhindo yainge iriko. Nyika yainge yakati zii pandakarutanga rwendo rwekumazivandadzoka. Ndakapakasha masango kwemazuva ane chitsama zvekuti muviri wainge zvino waibva nekuneta, kana iri senzara kana yaindibvunza mutupo ndaisadaira, simba rainge rava shoma.

Zvakatora svondo rese ndichingova musango. Ndakazoyambuka rwizi Chimedzamakanda urwo rwaityisa sekurondedzerwa kwandainge ndaitwa. Ndave mhiri kwerwizi handina kuzofamba mutunhu murefu ndichibva ndasangana nemhandara mbiri dzainge dzakatakura zvirongo dzichiridza chikwe-e. Ndakavakwazisa ndokukumbira mvura sezvo nyota yainge yakwenga pahuro. Ndakati tsina mukombe pamuromo ndokuzotura befu dumbu rati shaku. Ndakavatenda zvikuru ndikavabvunza zita remumusha mandaienda, vakangotarisana ndikabva ndati tsiki tsiki pasi. Ko chikuriro changu ndaiva ndamboswedera pedyo nemhandara dzakanaka kudai here? Kunyangwe nyama yaive yavota nekuneta, pane zvandainzwa zvandaisagona kunyatsotsanangura. Zvaiita kunge gomo randainge ndakasengedzwa kwemakore ese ainge apfuura raive raturwa, ndakatanga kunzwa kurerukirwa. Ndakasvika mumusha maVaMusiiwa ndikachingurwa neharahwa yaive nemusana wainge gangauta. Chiso cheharahwa ichi chaisava chitsva kwandiri. Chembere yaive yakapfunya pachigaravakwati ichizungura nzungu yakasimudza chiso asi yakaratidza kuvhunduka patakasanganidzana meso.Takakwazisana tikatora nguva takanyararidzana asi meso avo ane zvizhinji zvaaitaura. Ndakazotsanangura chinangwa chandaive ndafambira asi handina kupedza nekuti vainge vongoti misodzi mokoto mokoto mukadzi nemurume ndikazvishaira pazvo.

Vapedza kupfikura vakapukuta misodzi uku vachikwiridzira tudzihwa, vakasimudza zviso, meso akanzi ji-i pandiri. Harahwa iya yakandibata pabendekete neruoko rwainge rune tsinga dzakati tare tare serusungwe ikagadzirisa garahwa rainge ravhara huro panguva yavaipfikura. Yakadonongodza nhoroondo yavo yekusvika pakuchena imvi vasina vana pachibva pangozoita chishamiso chekuti mudzimai wavo akazvitakura akasununguka mapatya. Mapatya awa aiva mukomana nemusikana, mukomana wacho aiva inini. Panguva yekumera kwemazino musikana akanonoka, ini ndikakurumidza asi ndaiva durika. Ndainge ndatanga kumera mazino ekumusoro zvinova zvaisabvumirwa kurera mwana akadero pachivanhu chemudunhu iri saka ndaifanirwa kufa. Nekuda kwekuti hapana ainge aziva nezvechiitiko ichi vabereki vangu vakazofunga zano rekunditizisa mumuzinda vakanondisiya pane imwe chembere yaigara mitunhu yaiva kure kwazvo.Vakabva vapfuudza hazvanzi yangu vakavanza chiitiko ichi nechembere dzakanoviga mwana kurwizi. Ruzhinji rwakaudza shoko rekuti ndainge ndafa nenhova, vakanyeperwazve kuti hazvanzi yangu yainge yashaika mushure mesvondo rimwechete nekuti tainge tisina kukamurwa. Rakava gahamadze kune vazhinji. Izvi vainge vazviitira kuti ndizogara umambo sezvo vainge vasina kana rimwe budzi, vaisada kuti umambo hugarwe nemutorwa. Ndakanzwa dzungu kuti dzuwee, kwete nenzara asi nekuda kwenyaya yandainge ndarondedzerwa. Ndakasimuka ndokudzivaira nechivanze mabvi achibonderana seenhenjana ichangoberekwa. Saka zvaireva kuti mazino ndiwo ainge aita kuti hanzvadzi yangu ife pachinzvimbo pangu? Vabereki vangu vainge vakoshesa umambo kupfuura upenyu hwemwanasikana wavo. Ichi chokwadi chaisatambirika nyore sendiro yesadza. Ndakanzwa zibundu kuti ndi-i mumoyo mangu. Ndakazoperekedzwa kurwizi kwainge kwaradzikwa hanzvadzi yangu ndichifunga mashoko ekunotaura paguva rake. Handina kukwanisa kutaura mashoko mazhinji nekuda kwemarwadzo. Ndakafuratira ndichidzungudza musoro misodzi yakajenga mumaziso. Dunhu rose rakazounganidzwa rikaziviswa nezvangu. Rakava jandikuneka, vazhinji yaingova ganuka umire ronda remumusoro. Pandakagadzwa umambo chivanhu chekuurawa kwevana vaitanga kumera mazino ekumusoro chakabva chaguma zvachose mudunhu iri.

-MAGUMO-