Skip to main content

Shona - The Reality of Hell

Page 1

Chokwadi cheGehena Musatya vanouraya muviri, asi vasingagone kuuraya mweya, asi ityai iye anogona kuparadza mweya nemuviri mugehena. Mateo 10:28

Pentateuch neNhoroondo y Nokuti moto wakabatidzwa mukutsamwa kwangu, uchapisa kusvikira pasi pegehena, uchapedza nyika nezvibereko zvayo, uchapisa nheyo dzemakomo. Dheuteronomio 32:22 Mabote eSheori akandikomba, misungo yorufu yakandibata; Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake, kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake. 2 Samueri 22:6-7

Nhetembo Ungawana Mwari here nekunzvera? Ungawana Wamasimbaose zvakakwana here? Zvakakwirira sedenga; ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura gehena; ungazivei? Jobho 11:7-8 Gehena rakashama pamberi pake, uye kuparadzwa hakuna chifukidziro. Jobho 26:6 Vakaipa vachadzokera kugehena, nemarudzi ose anokanganwa Mwari. Mapisarema 9:17 Nekuti hamungasiyi mweya wangu mugehena, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. Mapisarema 16:10 Mabote egehena akandikomba; misungo yerufu yakandibata. Mapisarema 18:5 Rufu ngaruvabate, ngavaburukire kugehena vari vapenyu, nekuti uipi huri mudzimba dzavo, uye pakati pavo. Mapisarema 55:15 Nokuti tsitsi dzenyu huru kwandiri, makanunura mweya wangu kubva pasi pegomba. Mapisarema 86:13 Marwadzo erufu akandikomba, uye kurwadziwa kwegehena kwakandibata: Ndakawana nhamo nekusuwa. Mapisarema 116:3


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Reality of Hell by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu