Shona - Philemon

Page 1

Firimoni CHITSAUKO 1 1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni mudikamwa wedu, nomushandi pamwe chete nesu; 2 nokuna Afia mudikamwa wedu, naArkipo murwi pamwe chete nesu, nokukereke iri mumba mako. 3 Nyasha kwamuri, nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. 4 Ndinovonga Mwari wangu, ndichikurangarirai nguva dzose paminyengetero yangu; 5 Ndichinzwa zverudo rwako nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vose; 6 kuti kugoverana kwerutendo rwako kuve nesimba pakugamuchira chinhu chipi nechipi chakanaka chiri mauri muna Kristu Jesu. 7 Nekuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa murudo rwako, nekuti moyo yevatsvene yakavandudzwa newe, hama. 8 Naizvozvo, kunyange ndingashinga zvikuru muna Kristu kuti ndikuraire zvakanakira. 9 asi nekuda kwerudo zviri nani kukukumbirai, ini ndakadai saPauro mutana, uye zvinowo musungwa waJesu Kristu. 10 Ndinokukumbirisai pamusoro pemwanakomana wangu Onesimo, wandakabereka pazvisungo zvangu; 11 izvo kare zvakanga zvisingakubatsiri kwauri, asi zvino zvinobatsira kwauri nokwandiri; 12 wandatumazve; naizvozvo iwe umugamuchire, ndiko kuti, moyo wangu; 13 wandaida kugara naye, kuti panzvimbo yako andishumire ndakasungwa neevhangeri; 14 Asi kana iwe usingafungi, handingaiti chinhu; kuti kubatsira kwako kurege kuva kwekurovererwa, asi nechido. 15 Nekuti zvimwe wakaparadzaniswa naye chinguva, kuti umugamuchire nekusingaperi; 16 kwete zvino semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikamwa zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvose panyama naIshe. 17 Naizvozvo kana uchindiona somumwe wako, umugamuchire sezvandinozviita. 18 Kana akakutadzira, kunyange ane ngava newe, undiravire ini izvozvo. 19 Ini Pauro, ndanyora noruoko rwangu ndomene, ndicharipa; 20 Hongu, hama, ngandive nemufaro pamusoro pako muna Ishe; uvandudze moyo wangu muna Ishe. 21 Ndakakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura zvandinoreva. 22 Asi ipapo ndigadzirirewo pekugara; nekuti ndinovimba kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri. 23 Unokukwazisai Epafrasi, musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu. 24 Mako, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni. 25 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Issuu converts static files into: digital portfolios, online yearbooks, online catalogs, digital photo albums and more. Sign up and create your flipbook.